Nhasi uno Mwari akavaka Kereke yake pakutenda kwevanodavira kuevhangeri yemvura noMweya. Kereke yaMwari iungano yeavo vakaponeswa kuburikidza nekudavira kuevhangeri yemvura noMweya. Naizvozvo, kana moyo yenyu iine kutenda zvino kuevhangeri yemvura noMweya, munogona kurarama hupenyu hwechokwadi hwekutenda. Hupenyu hwakadaro hwekutenda hunogoneka bedzi muKereke yaMwari. Pamusoro pazvo, kutenda kwakadaro bedzi ndiko kunotikwanisa kuti tirarame nekusingaperi muHumambo hwaIshe. Kuburikidza nekutenda uku, tinofanira kugamuchira rudo rweruponeso pamwe nemaropafadzo ose eDenga kubva kuna Mwari Baba, Jesu Kristu uye naMweya Mutsvene. Ndinopa kuwonga kwangu kose kuna Mwari.
Dieser Download kann aus rechtlichen Gründen nur mit Rechnungsadresse in A, B, CY, CZ, D, DK, EW, E, FIN, F, GR, H, IRL, I, LT, L, LR, M, NL, PL, P, R, S, SLO, SK ausgeliefert werden.